Matthew 24

Jesu anoporofita kuputswa kweJerusarema nekudzoka kwake

1Zvino Jesu wakabuda akabva patembere; vadzidzi vake ndokuswedera kuzomuratidza zvivakwa zvetembere. 2Jesu akati kwavari: Hamuoni zvinhu izvi zvese here? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakungatozongosiiwi pano ibwe pamusoro pebwe risingatongoputsirwi pasi.

Zviratidzo zvenguva yekupedzisira

3Kuzoti agere pagomo reMiorivhi, vadzidzi vakauya kwaari vari vega vachiti: Tiudzei, zvinhu izvi zvichava rinhi? Nechiratidzo chekuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipi?

4Jesu akapindura akati kwavari: Chenjerai kuti kusava neanokutsausai; 5nokuti vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti: Ndini Kristu; uye vachatsausa vazhinji. 6Zvino muchanzwa zvehondo nerunyerekupe rwehondo; chenjerai, musakanganiswa; nokuti zvese zvinofanira kuitika; asi kuguma kuchigere. 7Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, neushe huchamukira ushe, uye kuchava nenzara nematenda nekudengenyeka kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana. 8Asi zvese izvi kutanga kwemarwadzo.

9Ipapo vachakukumikidzai mukutambudzika, uye vachakuurayai; uye muchavengwa nemarudzi ese nekuda kwezita rangu. 10Zvino ipapo vazhinji vachagumbuswa, uye vachatengesana, nekuvengana. 11Uye vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vatsause vazhinji. 12Uye nekuda kwekuti uipi huchawanda, rudo rwevazhinji rwuchatonhora. 13Asi anotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye achaponeswa. 14Uye evhangeri iyi yeushe ichaparidzwa munyika yese chive uchapupu kumarudzi ese; ipapo kuguma kuchasvika.

15Naizvozvo kana muchiona nyangadzi yekuparadza yakarehwa naDhanyeri muporofita, imire panzvimbo tsvene (anorava ngaanzwisise), 16zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo; 17ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kuzotora chinhu kubva mumba make; 18neari kumunda ngaarege kudzokera shure kunotora nguvo dzake. 19Asi mune nhamo vane mimba nevanonwisa nemazuva iwayo!

20Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando, kana nesabata. 21Nokuti ipapo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakavapo kwakadaro kubva pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazovipozve. 22Dai mazuva ayo asaipfupiswa, hakuna nyama zvachose yaiponeswa; asi nekuda kwevasanangurwa mazuva ayo achapfupiswa.

23Zvino kana munhu akati kwamuri: Tarirai, Kristu pano, kana apo, musatenda. 24Nokuti kuchamuka vana kristu venhema nevaporofita venhema, vachaita zviratidzo zvikuru nezvishamiso, zvekuti kana zvichibvira, vatsause nevasanangurwa. 25Tarirai, ndagara ndakuudzai. 26Naizvozvo kana vakati kwamuri: Tarirai, ari murenje, musabuda; tarirai ari mudzimba dzemukati, musatenda. 27Nokuti semheni inobuda kumabvazuva ichipenya kusvikira kumavirira, kuchava saizvozvo nekuuya kweMwanakomana wemunhu. 28Nokuti pese-pese pane chitunha, ndipo pachaunganidzwa magora.

29Pakarepo shure kwekutambudzika kwemazuva ayo zuva richasvibiswa, nemwedzi hauzopi chiedza chawo, uye nyeredzi dzichawa kudenga, nemasimba ekumatenga achazungunuswa. 30Uye ipapo kuchaonekwa chiratidzo cheMwanakomana wemunhu kudenga; uye ipapo marudzi ese enyika achachema, uye achaona Mwanakomana wemunhu achiuya pamakore ekudenga nesimba nekubwinya kukuru. 31Uye achatuma vatumwa vake nekurira kukuru kwehwamanda, vachaunganidza vasanangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumigumo yematenga kusvikira kumigumo yawo.

Anovanyevera kurindira

32Asi dzidzai mufananidzo kubva pamuonde: Kana davi rawo rava ikozvino nyoro, richitunga mashizha, munoziva kuti zhizha rava pedo. 33Saizvozvo nemwi, kana moona izvozvi zvese, zivai kuti zvava pedo pamikova. 34Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zera iri haringatongopfuuri kusvikira izvozvi zvese zvaitika. 35Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.

36Asi zvezuva iro neawa hakuna anozviziva, kwete kunyange vatumwa vekumatenga, asi Baba vangu chete.

37Asi semazuva aNowa, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu. 38Nokuti sepamazuva akatangira mafashame, vaidya nekunwa, vachiwana nekuwaniswa, kusvikira zuva Nowa raakapinda muareka, 39uye vakange vasingazivi, kusvikira kwasvika mafashame avabvisa vese, kuchaita saizvozvowo kuuya kweMwanakomana wemunhu. 40Ipapo vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa. 41Vakadzi vaviri vachikuya paguyo; umwe achatorwa, neumwe achasiiwa.

42Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi nguva Ishe wenyu yaachauya. 43Asi zivai izvi, kuti dai mwene weimba aiziva kuti inguva yekurinda ipi ichasvika mbavha, angadai airinda, akasatendera imba yake kuti ipazwe. 44Naizvozvo imwiwo ivai makagadzirira; nokuti neawa ramusingafungiri, Mwanakomana wemunhu anouya.

45Ko ndiani muranda wakatendeka, wakangwara, ishe wake wakamugadza pamusoro pevaranda vake kuti avape kudya nenguva yakafanira? 46Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika anomuwana achiita saizvozvo. 47Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Achamugadza pamusoro pezvese zvaanazvo. 48Asi kana muranda uyo wakaipa akati mumoyo make: Ishe wangu anonoka kuuya; 49ndokutanga kurova vamwe varanda vanobata pamwe naye, nekudya nekunwa nevararadzi, 50ishe wemuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri neawa raasingazivi, 51akamugura nepakati, agoisa mugove wake pamwe nevanyepedzeri; apo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno.

Copyright information for Shona